2 Chronicles 28

Ahazi Mambo weJudha

1Ahazi aiva namakore makumi maviri paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi namatanhatu. Haana kufanana naDhavhidhi baba vake, haana kuita zvakanaka pamberi paJehovha. 2Akafamba nomunzira dzamadzimambo eIsraeri akagadzirawo zvifananidzo zvokunamatisa vaBhaari. 3Akapisa zvipiriso zvinopiswa mumupata weBheni Hinomi akabayira vanakomana vake mumoto, achitevedzera nzira dzinonyangadza dzendudzi dzakanga dzadzingwa naJehovha pamberi pavaIsraeri. 4Akapa zvibayiro uye akapisira zvinonhuhwira panzvimbo dzakakwirira, pamusoro pezvikomo napasi pomuti wose wakapfumvutira.

5Naizvozvo Jehovha Mwari wake akamuisa mumaoko amambo weAramu. VaAramu vakamukunda uye vakatora vanhu vake vazhinji senhapwa vakauya navo kuDhamasiko.

Akaiswawo mumaoko amambo weIsraeri uyo akauraya vanhu vazhinji kwazvo.
6Pazuva rimwe chete, Peka mwanakomana waRemaria akauraya varwi zviuru zana namakumi maviri muJudha, nokuti Judha yakanga yarasa Jehovha, Mwari wamadzibaba avo. 7Zikiri murwi wokuEfuremu, akauraya Maaseya mwanakomana wamambo, Azirikami mutariri mukuru womuzinda naErikana, mutevedzeri wamambo. 8VaIsraeri vakatapa kubva kuhama dzavo vakadzi navanakomana navanasikana zviuru mazana maviri. Vakapambawo zvinhu zvakawanda, zvavakatakura vakadzokera nazvo kuSamaria.

9Asi muprofita waJehovha ainzi Odhedhi akanga aripo, uye akabuda kundosangana nehondo payakadzoka kubva kuSamaria. Akati kwavari, “Nokuti Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu akanga atsamwira Judha, akavaisa muruoko rwenyu. Asi mavauraya nehasha dzinosvika kudenga. 10Uye zvino mava kuda kuita varume navakadzi veJudha neJerusarema nhapwa dzenyu. Asi imiwo hamuna here mhosva dzezvivi zvamakaitira Jehovha Mwari wenyu? 11Zvino chiteererai kwandiri! Dzorerai kwakare hama dzenyu dzamatora savasungwa, nokuti kutsamwa kwaMwari kunotyisa kuri pamusoro penyu.”

12Ipapo vamwe vatungamiri vemuEfuremu vaiti Azaria, mwanakomana waJehohanani, Bherekia mwanakomana waMeshiremoti, Jehizikia mwanakomana waSharumi naAmasa mwanakomana waHadhirai, vakandotongesa avo vakanga vachisvika vachibva kuhondo. 13Vakati, “Hamufaniri kuuyisa vasungwa ivavo kuno kuti tirege kuva nemhosva pamberi paJehovha. Munoda kuwedzera here pamusoro pechivi chedu nemhosva yedu? Nokuti mhosva yedu yatokura kare, uye kutsamwa kwake kunotyisa kwava pamusoro peIsraeri.”

14Saka varwi vakasiya vasungwa nezvose zvavakanga vapamba pamberi pavakuru neungano yose. 15Varume varehwa namazita avo vakatora vasungwa uye kubva pane zvavakanga vapamba vakapfekedza vakanga vakashama. Vakavapa nguo neshangu, zvokudya nezvokunwa, uye namafuta okuporesa. Avo vose vakanga vasina simba vakavakwidza pambongoro. Saizvozvo vakavadzorera kunyika yavo kuJeriko, muGuta reMichindwe uye vakadzokera kuSamaria.

16Panguva iyoyo mambo Ahazi akatsvaka rubatsiro kubva kuna mambo weAsiria. 17VaEdhomu vakanga vauyazve vakarwisa Judha uye vakaenda navasungwa. 18Panguva imwe cheteyo vaFiristia vakanga vapamba maguta omujinga mezvikomo nomuNegevhi yeJudha. Vakatora uye vakagara muBheti Shemeshi, Aijaroni neGedheroti pamwe chete neSoko, Timina neGimizo nemisha yawo yose yakaapoteredza. 19Jehovha akaninipisa Judha nokuda kwaAhazi mambo weIsraeri, nokuti akanga akurudzira zvakaipa muJudha uye akanga anyanya kusatendeka kuna Jehovha. 20Tigirati-Pireseri mambo weAsiria akauya kwaari, asi akamupa matambudziko pano kuti amubatsire. 21Ahazi akatora zvimwe zvezvinhu zvaiva mutemberi yaJehovha, uye kubva mumuzinda wamambo nokumachinda amambo, akazvipa kuna mambo weAsiria, asi izvi hazvina kumubatsira.

22Munguva yake yokutambudzika mambo Ahazi akatonyanya kusatendeka kuna Jehovha. 23Akapa zvibayiro kuna vamwari veDhamasiko vakanga vamukunda; nokuti akafunga akati, “Sezvo vamwari vemadzimambo eAramu vakavabatsira ini ndichapa zvibayiro kwavari kuti vangondibatsira.” Asi ndivo vakava kuwa kwake nokweIsraeri yose.

24Ahazi akaunganidza midziyo yose yomutemberi akaitakura akaenda nayo. Akapfiga masuo etemberi yaJehovha akagadzira aritari pamakona ose emigwagwa yeJerusarema. 25Muguta rimwe nerimwe reJudha akavaka nzvimbo dzakakwirira kuti agopisira zvipiriso kuna vamwe vamwari uye zvikamutsa kutsamwa kwaJehovha, Mwari wamadzibaba ake.

26Zvimwe zvaakaita pamazuva okutonga kwake nenzira dzake dzose kubva pakutanga kusvikira pakupedzisira zvakanyorwa mubhuku ramadzimambo eJudha neIsraeri. 27Ahazi akazorora namadzibaba ake akavigwa muguta reJerusarema, asi haana kuradzikwa mumakuva amadzimambo eIsraeri. Uye Hezekia mwanakomana wake akamutevera paumambo.

Copyright information for SnaBDSC